Shona hymn

Dombo Rine Simba


Rukariro uro rwangu, Rusimbire kuna Kristu
Handidawiri nemunhu, Asi muzita raJesu.


Korusi
Ndinomira kunaJesu, Ndiye dombo nheyo yangu;
Zvimwe ndichanyura zvangu.


Kuri awigwa ngedima, Tsitsi dzake ndogarira,
Mumhepo huru yesimba, Ruwoko rwake ndobata.


Chirangano chake icho, Nechitsidzo cheropa’ro,
Zvinondipa rukuriro, Pakari pemadambudzo.


Apo anenge auya, Netsuri ichazoridzwa,
Ndinoda kuti ndimire, NaJesu parudyi rwake.

 


Garai neni usiku hwasvika


Garai neni usiku hwasvika.
Tenzi garai neni kune dima.
Vanditiza vamwe vabatsiri,
Mubatsiri wedu garai neni.


Upenyu hwachimbidza kuguma,
Kufara kwepasi kunopera
Zvasakara kwazvo zviro zvese,
Usingasakari garai neni.


Imwi muripo handityi mhandu,
Handine kuremerwa mushungu
Kufa, guva, kukunda kuripi?
Ndinokurira mugere neni.


Ndinomuda imwi nguva dzese,
Mutsa unokurira muyedzi
Mudonzvo wangu mutungamiri,
Mudima, pachena garai neni.


Misa muchinjiko ndotandadza,
Penya undinongedze kudenga
Kwayedza kwazvo yabva mimvuri,
Muupenyu mukufa garai neni.

 


Hakuna hama kupinda Jesu


1.Hakuna hama kupinda Jesu,
Hakunaba, hakuchina.
Hakuna umwe kurapa vese,
Hakunaba, hakuchina.


Korus:
Jesu ndiye shamwari yedu,
Anonatsa kutungamira,
Hakuna umwe kupinda Jesu,
Hakunaba, hakuchina.


2. Hakuna mumwe mukuru zveba.
Hakunaba, hakuchina.
Hakuna umwe mununudziri,
Hakunaba, hakuchina.


3. Hakuna chipo chikuru zveba,
Hakunaba, hakuchina.
Hakuna umwe kurapa mwoyo,
Hakunaba, hakuchina.


4. Hakuna nguva tisingaonwi,
Hakunaba, hakuchina.
Hapana nzvimbo asingazivi,
Hakunaba, hakuchina.