Shona hymn

Hakuna hama kupinda Jesu


1.Hakuna hama kupinda Jesu,
Hakunaba, hakuchina.
Hakuna umwe kurapa vese,
Hakunaba, hakuchina.


Korus:
Jesu ndiye shamwari yedu,
Anonatsa kutungamira,
Hakuna umwe kupinda Jesu,
Hakunaba, hakuchina.


2. Hakuna mumwe mukuru zveba.
Hakunaba, hakuchina.
Hakuna umwe mununudziri,
Hakunaba, hakuchina.


3. Hakuna chipo chikuru zveba,
Hakunaba, hakuchina.
Hakuna umwe kurapa mwoyo,
Hakunaba, hakuchina.


4. Hakuna nguva tisingaonwi,
Hakunaba, hakuchina.
Hapana nzvimbo asingazivi,
Hakunaba, hakuchina.

 


Husiku Hunoyera


Husiku Hunoyera ! Kune nyika iri kure
Yakajeka nyenyedzi yatenzi
Chioneso chaMwari wediko
Iyo Tenzi abarwa Iyo kwabarwa Mesiya

 


Jesu Ndishamwari Wedu


1. JESU ndishamwari wedu,
Mutakuri wakanaka,
Tinokomborerwa kwazvo,
Tine hama yakadai;
Kuti tichimukumbira,
Anofadzwa kupindura,
Anotipa zvakanaka,
Hatichazoshayi chiro.


2. Kuti tine dambudziko,
Kana tine rurunziro,
Hatizovi neurombo,
Tinotenda kuna Jesu;
Hatina imwe hama
Yakanaka kunga iye,
Anoziva vanhu vese,
Mukumbire anokuzwa,


3. Kuti tisisine simba,
Rekuita basa redu,
Jesu anotibatsira,
Anotipa simba rake;
Kana kuti takatukwa,
Tinonyararidzwa ndiye,
Jesu ndishamwari wedu,
Rudo rwake rwakanaka.