Shona hymn

Ndouya Kumuchinjiko


Ndouya kumchinjiko,
Upofu neurombo
Handidi chimwe chiro,
Asi ruponeso’rwo.


Chorus
Ndosimbira kunemwi,
Nyenye yepaCalvary,
Ndinopfugama pasi,
Mundiponese ini.


Jesu ndokuchemera,
Moyo wangu waipa,
Jesu’ye wataura,
Ndinozo-kuchenura.


Ndapa zvese kunemwi,
Zviro zvese zvepasi
Moyozve nemuviri,
Uve wenyu narini.


Ndosimbira kunemwi,
Mune zvitsidzo zvenyu
Zvino ndarapwa ini,
Neropa’ro raKristu.


Jesu arikuuya,
Moyo wangu wazara,
Zvino ndakachenurwa,
Mbiri kuna Jehova.

https://www.youtube.com/watch?v=3MsmuKhsg64

 


Nga titendo Mwari


I. Nga titendo Mwari
Nge simba redu rese,
Wakatiponisa,
Wakaehengeta isu ;
Wakakomborera
Isu nhambwe dzese
Ngo zwipo zwizhinzhi,
Ari wedu zwino.


2. Mwari nga agare
Pehlo nesu narini,
Kuti atifadze
Nge runyararo rwake;
Akotse nge tsitsi,
Atitungamidze,
Atisunungure
Mu kuyipa kwese.


3. Nga tiwirikidze
Mwari Baba Makuru,
Mwana, ne Mudzimu
Unogara kudenga,
Mwari Mumwe chete,
Uyo zwiro zwese
Zwinowirikidza
Ne ps nguwa dzese. Amen!

 


Ngerosi dzirikuyimba


I. Ngerosi dzirikuyimba Kukudza Mambo mupswa.
Runyararo ruri pasi Wanhu wasunungurwe.
Farisanyi mwese ndudzi Nawo wagara kudenga.
Rewanyi ne Ngerosi, “Kristu wabarwa nasi.”


Ref
Ngerosi dzirikuyimba, Mbiri ku Mambo mupswa. (Amen.)


2. Kristu arikutunhidzwa, Kristu Tenzi we kare;
Waswika pa nguwa ino Dangwe re Musikana;
Umwari hwake hwawigwa, Fariranyi Mwari munhu,
Anodisa kugara Ne wanhu pasi pano.


3. Chingamidzanyi Muchinda, Chingamidzanyi Zuwa;
Anowunza ruveneko Upenyu ne kurapa.
Achisiya mbiri yake; Wabarirwa kuponisa
Wanhu wese we pasi, Kupa upenyu hupswa.

 


Pedro No’muchinjikwa


Jesu ndisededzei
Pedyo nom’chinjikwa
Patsime rinokosha
Rinorapa vose.


Ref
Ipo pam’chinjikwa
Ndichakudza Jesu
Dakara mweya wangu
wawana zororo.


Pedyo nomuchinjikwa
Rudo rwandiwana;
Nyamatsatsi yedenga
Yandivhenekera.


Pedyo nomuchinjikwa,
Gwayana raMwari.
Yamurai ndifambe
Ndichiutondera.


Pedyo nomuchinjikwa
Ndinozorindira:
Ndichivimba dakara;
Ndiwane zororo.

 


Tsitsi dzinondishamisa


Tsitsi dzinondishamisa
Dzakandiponesa.
Ndakange ndisingaone
Zvino ndaoneswa.


Tsitsi dzinondishamisa
Dzakandishingisa.
Ngetsitsi dzake ndasukwa
Zvino ndaponeswa.


Mudambudzo repanyika
Ndine Mugondeki.
Ndichazofamba kuenda
Kum’soro kudenga.


Ishe wakanditsidzira
Rufaro kudenga.
Jehova ndiye M’chingeti
Muupenyu hwepasi.