Ndisededzei Mwari Pedyo Nemi
Ndisededzei Mwari, pedyo nemi,
Kana ndaremerwa, ndisimbisei;
Rumbo rwangu ruve, Pedyo nemi, Mwari,
Ref
Pedyo nemi, Mwari, pedyo nemi.
Ndichinge mufambi pamauro,
Ndokotsira bedzi pamatombo,
Ndinoda muhope, Kuva nemi, Mwari,
Nzira yangu ive yokuDenga
Zvinopihwa nemi dzezvomutsa;
Ngirozi dziuye Dzinditungamire
Norufaro rwenyu ndichamuka,
Pakutambudzika muchakudzwa;
Matambudzikozve Anditungamire zve;
Ndichibh ururuka ‘kokuDenga
Pam’soro pezuva, ndichienda;
Ndichazoimba zve, Pedyo nemi, Mwari
Ngerosi dzirikuyimba
I. Ngerosi dzirikuyimba Kukudza Mambo mupswa.
Runyararo ruri pasi Wanhu wasunungurwe.
Farisanyi mwese ndudzi Nawo wagara kudenga.
Rewanyi ne Ngerosi, “Kristu wabarwa nasi.”
Ref
Ngerosi dzirikuyimba, Mbiri ku Mambo mupswa. (Amen.)
2. Kristu arikutunhidzwa, Kristu Tenzi we kare;
Waswika pa nguwa ino Dangwe re Musikana;
Umwari hwake hwawigwa, Fariranyi Mwari munhu,
Anodisa kugara Ne wanhu pasi pano.
3. Chingamidzanyi Muchinda, Chingamidzanyi Zuwa;
Anowunza ruveneko Upenyu ne kurapa.
Achisiya mbiri yake; Wabarirwa kuponisa
Wanhu wese we pasi, Kupa upenyu hupswa.
Tsitsi dzinondishamisa
Tsitsi dzinondishamisa
Dzakandiponesa.
Ndakange ndisingaone
Zvino ndaoneswa.
Tsitsi dzinondishamisa
Dzakandishingisa.
Ngetsitsi dzake ndasukwa
Zvino ndaponeswa.
Mudambudzo repanyika
Ndine Mugondeki.
Ndichazofamba kuenda
Kum’soro kudenga.
Ishe wakanditsidzira
Rufaro kudenga.
Jehova ndiye M’chingeti
Muupenyu hwepasi.