Kare kwakamira danga Mu musha wa Davidi
1. Kare kwakamira danga Mu musha wa Davidi;
Umo Mayi akayisa Kamwana mune ngombe.
Maria ndiye Mayi, Jesn Kristu kamwana.
2. Wakasiya mbiri yake, Mwari wedu, na Tenzi.
Wakabarwa pasi pano Mu danga re zwipfuyo.
Wona, Mponisi wedu Wakagara murombo.
3. Pa upwere hwake hwese Wakadisa Maria;
Misi yese wakamunzwa Uyo wakamurera.
Imwi wana yedzanyi Kufanana nayiye.
4. Wakapa muyenzaniso, We rugaro kunesu.
Wayichoma, wayiseka. Wayiyita sesuwo,
Anosangana nesu Mu nhamo ne kufara.
5. Pa kuguma tichawona. lye Mambo wo rudo ;
Uyo Mwana wakatiwa Ari Mwari mukuru.
Kuti tichitewera Tichaswika Kudenga.
6. Hatichamuwoni apo Pane danga re ngombe;
l’iohawona ane mbiri Achikudzwa kudenga.
Apo wachawa naye Wana wake wazhinzhi. Amen.
Murapi Aripano
1.Murapi ari pano, chiremba wokudenga,
Wauya pasi pano korapa mwoyo yese.
Korus
Zita rakanaka, ngatimuimbire,
Ndwiyo dzeupenyu Jesu Tenzi wangu.
2. Zvitadzo anobvisa, izwanyi izwi rake,
Fambanyi zvakanaka, muite kuda kwake.
3. Hapana rimwe zita kunaka kunga Jesu,
Radzinga kutya kwangu, ndokudza zita rake.
4. Vacheche nepwere vanoda zita rake,
Vanonzwa izwi rake, vanoda basa rake.
5. Uyanyi, vashamwari, kudzanyi zita rake,
Tauranyi ngerurimi zvikomborero zvake.
6. Kudenga tikasvika, tichazoona Jesu,
Nekuimbira Jesu, navanhu vekudenga.
Musandipfuura Jesu
1. Musandipfuura, Jesu, ndinochema ini,
Mukakomborera vamwe, musandipfuure.
Chorus
Jesu Tenzi, ndochemera imwi,
Mukakomborera vamwe, musandipfuura.
2. Ndinotenda imwi, Jesu, mwakandinunudza,
Ndanga ndiri kufa, ini, muzvitema zvangu.
3. Ngandipiwe mwoyo m’chena wekumufarisa,
Ndinomukumbira, Tenzi, ngandikomborerwe.
4. Ngerunako rwenyu, Jesu, ndomutsvaka zvino,
Mwoyo wangu ngaurapwe, ndoda kuponeswa.
5. Ropa renyu ngarikudzwe, rindishambe nhasi,
Muri mununuri imwi, mwakandinunura.
6. Muri tsime yeupenyu nerufaro rwese,
Ngandiinwe iyi tsime, ndine nyota huru.
7. Imwi munonyararidza mwoyo wangu uyu,
Pasi pano nokudenga, muri Tenzi wangu.