Ini Handina Chiro Chiduku
1. Ini handina Chiro chiduku,
Asi ropa raakandipira,
Ndakadaidzwa kuti ndiuye,
zvino ndauya zvino ndauya,
2. Ndiri kutambudzika kazhinji
Ndiri mukurwa, ndine zvitadzo,
Kutya kuzhinji, kurwa kukuru,
zvino ndauya zvino ndauya
3. Ndiri murombo, ndiri kurwara,
Uchaponsa, uchachandirapa,
Undipe zvese zvinoshaikwa.
zvino ndauya zvino ndauya
4. Sezvo ndauya nchanditora,
Uchaponisa, ucbachenura,
Ngekuti ini ndinodawira.
zvino ndauya zvino ndauya
5. Ini handine chiro chiduku,
Rudo rukuru rwakandibata.
Ndiyitc wako zwino narini.
zvino ndauya zvino ndauya. Amen
Jesu Ndishamwari Wedu
1. JESU ndishamwari wedu,
Mutakuri wakanaka,
Tinokomborerwa kwazvo,
Tine hama yakadai;
Kuti tichimukumbira,
Anofadzwa kupindura,
Anotipa zvakanaka,
Hatichazoshayi chiro.
2. Kuti tine dambudziko,
Kana tine rurunziro,
Hatizovi neurombo,
Tinotenda kuna Jesu;
Hatina imwe hama
Yakanaka kunga iye,
Anoziva vanhu vese,
Mukumbire anokuzwa,
3. Kuti tisisine simba,
Rekuita basa redu,
Jesu anotibatsira,
Anotipa simba rake;
Kana kuti takatukwa,
Tinonyararidzwa ndiye,
Jesu ndishamwari wedu,
Rudo rwake rwakanaka.
Jesu wakariwaka Sangano re pasi
1. Jesu wakariwaka
Sangano re pasi,
Ndiye wakarisika.
Nge mvura ne izwi,
Akadzika kudenga
Kurorirowora;
Ropa rakaritenga
Zwo akarifira.
2. Wanhu we nyika dzese
Wanogara umo,
Rina Tenzi mumweyo
Ruponiso rumwe ;
Rine Zita rimwero,
Rine chidhlo chimwe,
Rinogashira tsitsi
Mu kugara kwaro.
3. Wanhu wanorishora.
Dambudziko raro,
Nge manyepo e wanhu
Ne zwitema zwawo.
Asi wese wapswene
Warikunamata,
Ndizwo kucbema kwaro
Kuchawe kufara.
4. Mu pfumvu dzese zhinzhi
Ne kukana kwaro
Rinogarira zwino
Runyararo rwaro;
Dakara pa kuguma
Riwone kufara
Sangano rakakana,
Richazorora zwe.
5. Rinosangana zwino
Na Mwari Mukuru,
Ne wakabva wapswene
Warikuzorora.
Tenzi, tipiwe tsitsi,
Ndizwo pa kuguma
Tiswike kunayiwo
Tigare Kudenga. Amen.