Shona hymn

Garai neni


I. Gara neni usiku hwaswika
Kune dima Tenzi gara neni;
Wamwe wabatsiri wandisiya,
Mubatsiri wedu gara neni.


2. Upenyu hwe pasi huchaguma.
Kufara kwe pasi kuchapera ;
Ndichawona zwese zwichipera,
Iwe haugumi gara neni.


3. Zuwa rese ndibatsire Tenzi,
Tsitsi dzako nga dzikunde Satan.
Hakuna mumwe Mutungamiri;
Usiku ne misi gara neni.


4. Handihli mhandu Iwe uripo;
Kana mu dambudzo handichemi.
Kufa ne guwa ndichazwikunda.
Ndiri mukundi Iwe uneni

 


Hakuna hama kupinda Jesu


1.Hakuna hama kupinda Jesu,
Hakunaba, hakuchina.
Hakuna umwe kurapa vese,
Hakunaba, hakuchina.


Korus:
Jesu ndiye shamwari yedu,
Anonatsa kutungamira,
Hakuna umwe kupinda Jesu,
Hakunaba, hakuchina.


2. Hakuna mumwe mukuru zveba.
Hakunaba, hakuchina.
Hakuna umwe mununudziri,
Hakunaba, hakuchina.


3. Hakuna chipo chikuru zveba,
Hakunaba, hakuchina.
Hakuna umwe kurapa mwoyo,
Hakunaba, hakuchina.


4. Hakuna nguva tisingaonwi,
Hakunaba, hakuchina.
Hapana nzvimbo asingazivi,
Hakunaba, hakuchina.

 


Husiku Hunoyera


Husiku Hunoyera ! Kune nyika iri kure
Yakajeka nyenyedzi yatenzi
Chioneso chaMwari wediko
Iyo Tenzi abarwa Iyo kwabarwa Mesiya